Sekuru soko
Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Sekuru soko, Professional Service, damafalls Phase 1, Port Elizabeth.
Mamuka sei mudare mitupo yose ππππ. Timbodzidzisana zvishoma
*Nzira* *DZEMADZITATEGURU*
*Hope* ndiyo nzira yekutaura kwemudzimu kwatiri vapenyu hakuna munhu asingarote munhu wese anorota ........ Kana warota tsvaga ruzivo nedudziro yemakope ako uwane hwaro hwekutekaidza usatore makope seasina basa. Kazhinji hakuna hope dzisina basa makope ese anechirevo
*Hakuna* *munhu* *asingarote*...... Munhu wese akasikwa kaona uchiti ukarota anorota ukaona usingarote ..cherechedza pane zvirikutevera woshinga kugadzarisa nzira yako .......
1. *Chipo* *chako* *chakatsipikwa*.....
chipo chinotsipikwa nehama nekuti ndiyo inoziva kudeketa mutupo wako nechidawo chako zvinoitwa nevedzinza izvo .
2. *Chipfambi* .... Chipfambi chodzima mwenje wezvakarurama chokwezva zvakaipa ndozvinoenda pedyo newe saka hakuna matare anouya pakadai ....kuita mahumbwe
*Chengeta* *miko* ..... Unozviziva sei kuti uyu ndiwo muko wangu...... *Muyenzaniso* ukaona uchiti ukadya derere worwara ziva kuti varipauri varikuramba izvozvo..
*Kuchengeta* *chigumbu*..... Mhepo dzinosuduruka pedyo newe chinouya pedyo imbereka saka usagare negodo ,ruvengo , chigumbu zvese izvi zvinopiringisha nzira yevakuru unoita makore uchitenderera panzvimbo imwe chete .....
*Machembere* ....... Nhai machembere regai ndibvunzewo ndiyani akanzi muchembere iye akashonga tirauzi ??? ..... Dzidzai machembere kushonga zvinemwero wevakuru chaiwo ko simba ravo muchabatana naro sei vamwe munotoenda kunosuma mazwi makapfeka matrouse ndizvo here zvaiitwa pasi chigare zvino anotaura newe kumakope zvinemutsindo ndiyani uchidaro ????......
Teverai tsika dzepasi chigare nehunhu kwete kufamba makashama zvirikuitwa mazuva ano ...
Machembere ekare aizviremekedza kubvira panyama dzavo vanga vasingazvifumure kufamba vakashama vaipfeka zvakatsiga ndosaka nhasi muchivaremekedza nemiwo tangai kusvikoshesa imi zvozosvika pakuti mukoshe kunyika nekunevaripasi mukadaro mbereka dzinoshaya mukana wekusunda pauri.
0775398490
Chikwambo choenda neyi. Vazhinji vanhu vanotambudzwa nehondo dzezvikwambo. Vanhu vazhinji vapedza kutorerwa mari nen'anga nemaporofiti pasina chiri kufamba.
Chikwambo imhepo yemufi inoiswa pamurume kana mukadzi kuti asaite imba, aiite munyama, rombe, kurambwa kusemwa, kuvengwa, kuparara kwezvinhu zvavapedo kuitika kuti ubate chakanaka, musana unongorwadza, makumbo, musoro, chibereko, kushaya mbereko, kurira kwenzeve, kuvengwa, kushaya basa kana remaoko harifambi mushe etc
Ungazive sei kuti une chikwambo, kurota uchiyamwiwa or wakaberekeswa mwana, kudyiswa kuhope, musana unovava, kusemwa neopposite s*x. Gynaecological problems kushaya mbereko zvakawanda, kurota uchiita bonde husiku hazvinei face yaunorota unogona kurota munhu waunoziva chikwambo.
Chikwambo chouya sei. Hurombwa mukati me dzinza rekwako, kurara nevanhu vanonetswa nezvikwambo, kuromba wega nekuda kupfumba, kuona p***o nekuda kugara uripazvinyadzi, kubonyora, kuturikwa mukushandirwa, kuita zvivi.
Chikwambo chinowanzoda vanhu vakaita sei. Mhepo yechikwambo haingoenda pamunhu wese wese unotsvaga munhu anemudzimu kana chipo chemari nehushavi. Vanoshandisa chipo chemunhu uye votsipika zviri paari chikwambo chichipa munhu iyeye akachitsvaga mari dzaifanira kubatwa nemunhu uye ndosaka muchiona kuti vazhinji vane zvikwambo zvikabviswa anoita muporofita, nanga kana kupfumba zvakanyanya.
Chikwambo chinobviswa sei. Ndopane hondo muhupenyu. Chikwambo hachibvi nyore, chinopima simba riri pamunhu ndosaka vazhinji vanoshandirwa vachisvika pakufa vachitambura. Vashoma shoma vanogona kubvisa mhepo iyi zvachose.
Zvinogona kuitwa nadunga munhu kuparadza hondo iyi..
1. Siya chipfambi, kungorara rara nevanhu
2. Namata nekutsanya kukwira makomo, uchitsanya kwenguva refu.
3 chikwambo hachibvi zvekumhanya ndosaka vanhu vazhinji akatsanya 3 months oneta hanzi hazviende, u fight till u win and u maintain that level.
4. Chikwambo imonitoring spirit chinoona zvese zvaunenge uchida kuita chofana chavhara saka uchii
18/08/2026
*Madzinza*
Mukurarama kwedu sevanhu vatema tine mipatso yema dzinza yakatiwandei. Dzinza rimwe ne rimwe rine mutupo varinodaidzwa naro. Hazviite kuti vemutupo yakasiyana vanzi ndeve dzinza rimwe. Dzinza rimwe ne rimwe rine mateuriro arinoita kuna Musikanavanhu nemabatiro arinoita chivanhu. Iye Musikavanhu ndiye akadzikisa nzira idzi nekupa mukombe kudzinza rimwe nerimwe kuti rishumire. Nhasi uno nzira idzi hapana achatedzera asi ndiwo musimboti unotipa chirewo, chimiro nemasimba semuenzaniso
*Vayera Soko*
Dzinza revayera Soko ndiro rakapihwa mukombe vekuyeresa mamwe madzinza ose neivhu Rose. Iyi ndiyo mhuri inotungamira pachinamato chedu isu vatema. Mabasa emhuri ii anosanganisira kuyeresa bikiro (Fodya), kuyeresa mitunhu ndiyo zvakare imba yeva nyai vemvura. Dzinza revayera Soko ndimi munobuda akasanangurwa ane chikodze chekunosangana na Dzivaguru parushanga kamwe chete pagore vachiteurira zvitadzo zvevana kana zvitadzo zvevatema. Mhepo huru dzeimba iyi dzinosanganisira Tombosike, Murenga, Sororenzou, Mavhudzi, Chipuriro uye Nyereyemhuka, Chapo na Dumburechuma.
N. B VaNyai ndiwo vanokumbira mvura kuna Dzivaguru. Chiratidzo chepasi kuti muzinda uyu unoera hauchengetwe nemauto unochengetwa nemapfeni.
*Vayera Mhofu*
Iri idzinza rakabarwa nerimwe dzinza. Vayera Mhofu ndiwo vane mukombe vehondo tsivo yavagamuchidzwa paparadzana Murenga na Mushavanhu/Mushavatu uyo azoroora mwana vaMurenga. Dzinza revayera Mhofu rakapihwa simba rekutungamirira hondo nekudzikunda. Munguva dzesh**e ndivo vakarovera hoko munyika ye Dzimbahwe kana Chivavarirwa. Kuri kupinga nyika kuti ropa zhinji risadeuke. Mumba umu ndino makabva varume vehumare vakafanana na Nyashanu, Nevanji (Seke Mutema), na Gutsa Muparadzi uyo aifamba nenyika achikurira hondo. Ndiko kubarwa kwenyika dzose dzevayera Mhofu.
Mbiru dzapasi uyo aiwa izwi pakutanga akabata muimba iyi ndokutsitsa mukombe vawo. Pakazotorwa muhera mwanasikana akava chipiriso chenyika iye ndokutsitsa nyika.
*Vayera Moyo*
Dzinza revayera Moyo rakapihwa mukombe vekutonga madzinza nekuti vapenyu vachengete mitemo uye zvose zvapasi. Tsivo yevhu yakadzika muimba iyi kuti igadze madzishe nemadzimambo nokupedza magakava ematunhu kutara miganhu nekugarisana zvakanaka kwevapenyu. Vazhinji vanofunga kuti vayera Moyo ndiwo varidzi venyika asi kwete ivo vakabatiswa mukombe. (Nyika vanhu)
Madzimambo evayera Moyo akatara miganhu anosanganisira Nerwande, Kapararidze, Mutota, D***olakochingwanu (Changamire D***o), Chibatamatosi, Chikuravadyembeu, Dumbukunyuka, Mazungunye na Mutindini.
*Vayera Dziva*
Dzinza revayera Dziva, ndiro rimwe remadzinza akatanga kutumwa munyika yeChivavarirwa ndokupihwa mukombe vekutonga mweya iri muma dzinza. Kuyananisa nekugadza hukuru hwemweya kumadzinza ose. Sezvamunoziwa pasichigare mhondoro dzairwisana uye dzaiyedzana masimba zvinowa zvaigona kuvhiringa matunhu, hondo idzi dzaipedzwa kana kugadziriswa nemba yevayera Dziva iyo yaireva kana kugadza mutsanangurwa/mutungamiri mumatare emweya aya. Kana paine vanenge varamba kutera mitemo yevayera Dziva, vaizovirwa nemadzudzo kana matambudziko anosanganisira kusanaya kwemvura, kudyirwa munda, kana kupambwa/ kurwiswa nevawengi kusvika vadzokera kunotera makwara. Imba yevayera Dziva ndiyo yega imba yabuda Gombwe kwete zvatinoona nhasi makombwe atekeshera nenyika yose. Dzimwe homwe dzakabata mukombe vevayera Dziva kumash**e dzinosanganisira Karuva, Dandemutande, Dzivaguru, Marwei na Kavanza/Kasahwa na Chiodza.
N. B GOMBWE mweya usina kubvira vararama semunhu asi vakatumwa naMusiki.
*Vayera Shumba*
Dzinza revayera Shumba rakapihwa mukombe vachibva ma zambuko. Kana mhondoro dzichinge dzakundikana uye nyika yaremerwa kana izvi raMusikavanhu richinge radzima pasi pasisina tariro paitswagwa VaChide mutakuri vemukombe verunyararo wedzinza revayera Shumba. Zvaigaro itika nedzimwe nguva kana vapenyu vachinge vatadza uye mhondoro dzakundikana kuripira madzudzo anenge avira nyika VaChide vaikwira gomo kana kuenda panzwimbo yavaiziwa iwo (zvakavanzika) vonoteura mukombe vawo unowa musodzi vepasi kuti Musikavanhu arangarire chitsidzo chake kuti aizobvumbamira mhuri dzaakatuma munyika yeChivavarirwa kunyangwe dzichitadza. Musikavanhu aizorangarira chitsidzo chiya opa VaChide izwi uye mutoro kuti vapenyu vagadzire kuti izwi rigone kutaura ne gombwe ne mhondoro, mhondoro nemudzimu, midzimu nemadzimambo ayo aizosungira vapenyu kutevedza zvose nemo nemo pasi rovana kupona zvakare. VaChide vakabata basa iri vanosanganisira Gandadzimba, Nerupinga, Tohwechipi, Chipinda
Nhasi vatema hatichaziwe kwekunanga kana tavirwa nematambudziko. Unoona arikutswaga mbereko achinotura ku mhondoro yemvura, kana ari kuchemera pfuma achienda kumukombe vehondo. Chikonzero madzudzo asiri kupera vapenyu hawachaziwe mabatiro makumbiriro, kweku kumbirira, veku kumbira uye nguva dzeku kumbira. Ane nzeve ngaanzwe hakuna anoenda kumunda munguva yehondo kana anotamba ngoma munguva yezhizha. Ranhasi rangowa musanganiswa nhava yebenzi. Zvakakosha vapenyu kuti tiziwe madzinza edu uye mhepo dziri kuti batsira munhau dzedu.
Mumwe nemumwe akadzidza mateuriro edzinza rake tose tinokunda. Madzudzo atinochema nawo haazowe madzudzo uye tichaona pajanhe pasina muroyi asi kushaya zivo ndiye muroyi mukuru. Ko sei nhasi vese apinda mudare anzi atswake mucheka veretso, anzi atsware nhekwe uta nemuseve? Ndizwo here zvedzinza rako? Zvine chiyamuro here muhupenyu hwako? Kana dzinza rako richeteura nemudhombo vadirei kutswaga nhekwe yebikiro isina chiyamuro. Musapedze nguva yenyu kuteya nzou neriva. Nhasi ukanzi une hushavi vawa kutengeswa zvombo zvemuvhimi vemhuka (uta nemuseve) iwe uri hurudza vemapadza. Ngatisvinurei tisidyiwe takasvinura sematemba. Kana tichinge topembedza hushavi muumbi vehari ngaapembedze rake, muredzi vehove ngaapembedze rake, hombarume opembedza rake shavi rimwe nerimwe roshavira pwere yaro pfuma. Zvino ukapa muredzi vehove pfumo achabata sei Hove? Ko iye murimi ukamupa bakatwa acharwa nezvirimwa here?
Ngatizive kwatinobva tigoziwa kwatiri kuenda. Mumwe akati arikuenda iye achidzoka haana kuziva kwaari kuenda ndiko kwaabva. Nepatichafamba vana vematare tigosiya matsimba achateerwa nevaduku vedu sekutevera kwatiri kuita matsimba akasiwa nevakuru vedu.
Changamire soko (Chirayira Nhaka)
*Shavi rembwa rovhiringa shavi rehuvhimi*
Shavi rembwa ishavi rakaipa rinoiswa kuvagarwi vazhinji
Shavi iri rinoita munhu angoonekwa seimbwa
Rinoita uvengwe uh**e nekuisa vana pese pese kana uri Hombarume....
Roita kuti umitiswe nevarume vane mitupo yakasiyana siyana hapana kana anokubvisira kana pfuma
Vane shavi iri vanoshandiswa kusara wava mvemve rinoita kuti ushandiswe zvekuti panguva raunoshandiswa naro unoona sewakanaka kana kuti ndiwe ukurira sezvinoita imbwa paye nguva yainoda kuvatwa nevarume imbwa hono dzouya kuzorwirana pairi kana yabata mimba dzoenda unoitwa mvemve nevarume kana uri mrume rinokuita rombe kushandira kupa mah**e mari iwe usina chaunacho uchishanda asi usina kana gumbeze unofa uri rombe
Vakadzi
Wese murume adanana newe haakupe kana mari
Roita ushandiswe sezvinoita imbwa zviya
Kushanda usinga wedzerwe pay pabasa
Arara newe okusema kouya umwe zve orara newe kusvika wachepa sembwa
Shavi rembwa rikasaonekwa zvakanaka rogona kunzi ndere huvhimi risiri ...Iri shavi rodzivirira mashavi akanaka kuti ashande pamutumbi wemugarwi
Nokuti roita kuti munhu ah**e h**e
Roita munhu asemwe senwe kutarisirwa pasi
Kuva chiseko chedunhu
Kuva munhu anongo pomedzerwa mhosva dzaasina kupara
Murume rikamubata zvakanaka pamba haarare
Romushandisa zvekurasa mhuri
Chivavariro charo kuti afe nezvirwere zvisinga rapike
Iri shavi rosundwa nevapenyu vemudzinza
Kuti utambure ...rovhiringa shavi rehuvhimi zvakanyanya ....
Unoziva sei kuti une shavi iri ???? Kurota uchiteverwa nembwa
Kurota uchirumwa nembwa
Kurota uchidzingirirwa nembwa .....
Kana uri muvhimi unorotawo uchi vhima nembwa kwete kurota uchirwiswa nembwa
Vakadzi vazhinji vakari pembedza shavi iri Vachiti manjuzu
Vaiti njuzu yangu inoita ndinyengwe ...iro riri shavi rembwa.Zvino kana iri njuzu sei usiri kuwana mari ?? Zvodudza kuti shavi rembwa rounza varume vane mari asi havakupe mari
Rinokupa basa rine mari asi hauite mari .
Shavi rembwa itori mbereka hombe kuvagarwi ..ndoshavi rino
*Bute richakuita kuti unzi unopenga nevanhu*
*Uchanzi uri musatanist nekuda kwe njuzu*
Uchapihwa mazita ose muzukuru ekuti unete usiye bute
Asi usaneteswa neanodya sadza pasi pezuva
Nebute rako iroro muzukuru usatya chinhu chonzi muroyi ....usatya vavengi ....vavengi vako vose vachaisa mapfumo pasi
Une vakuru vanofamba newe muzukuru usatya
Muyedzo ichauya wakuda kuyambuka muzukuru usadzokera sh**e yambuka rukova
Muzukuru gara wakazvigeza mhepo kuitira varikukusundira ....nekuda kwebute havakugone
Pavacha kukonewa uchanzwa voti uri muroyi iwe usatsamwa sekerera zvako tinenge tinewe murwendo
Muzukuru chenjera mishonga yaunopihwa nemamwe masahwira unorombeswa unopingwa ziso rako ngarivhurike ....nyumwa usaita chidudumira
Musi wauchavaka imba muzukuru
Musi wauchatenga mota muzukuru
Musi waucha nhonga goridhe
Ndomusi wauchanyeiwa muzukuru ndomusi wauchanzi waromba
Ndomusi waucha kandirwa mapfumo
Ndomusi waucha sangana nemiyedzo
Asi usatya bute pasi rimwe mumhino rimwe geza tichamira newe muhondo dzako
*Vese vakaromba muzukuru vachadyiwa nezvinhu zvavo..... vese vachakanda mapfumo vachabaiwa nawo ....vese vachasunga chipo chavo vanenge vachito sungawo rugare hwavo ...achaku cherera gomba kuti uwire .....zvipfuyo zvake ndozvicha wira mugomba imomo*
Ese madhara emumusha akaromba ...achafa sembwa ...mhepo dzavacha kutimira dzichainda kuvana vavo nekuzvi pfuyo zvavo
Ramba wakabatira panhekwe yako...ramba uchifuka fuko rako ..
ππ
REGAI NDITAURE ZVINOKWEZVA DZIMU KUTI RIBUDE OR NZIRA DZINOSHANDISWA KUCHINGAMIDZA DZIMU.
Doro /hwahwa /mavave
β¦οΈβ¦οΈβ¦οΈβ¦οΈβ¦οΈβ¦οΈβ¦οΈβ¦οΈ
Apa ndotanga pane anobika ,huni dzinoshandiswa uye mwaka yedoro remudzimu /mabira /misumo /majukwa /shangara.
Chokutanga muno kumbirirra zviyo zvenyu semhuri (vakuru vabve zera uye vakachenera matare )
SakΓ pakukumbirira apa paka kosha chose nokuti muri kutaura nenyika dzimu kuti vagachire nekunzwa zvirongwa zvedoro iro .
γ½οΈγ½οΈγ½οΈγ½οΈγ½οΈγ½οΈγ½οΈ
Mapedza kumbirira monyika zviyo izvo mumvura for Svondo rakazara ,,,pamazuwa iwayo hamufanire kubata bata zviyo izvo nokuti pangadaro paine asviba aka kanganisa dare or vadzimu vanenge vaterama havade kunganiswa nekubata bata chimera icho .
Kana Svondo rakwana moungana zvekare semhuri mochidzora zvanza kuti muvh**e zviyo muone kuti zvakadeerwa here.
Kana zvakafamba zvakanaka munotoona zvakamera kutombuda shoro nekunze kwe saga ,zvino neipapo mhururu machembere ,miridzo mahombarume
Zvino muchivamba kukuya henyu zviyo izvo ,,,panofanirwa kutanga kukuya zitete remumusha zvotevera kuma Mbuya emumusha kusvika kuvaroora nhaiππ»ππ»
Toenda pahuni uye miti inoshandiswa pakubika doro ,,chokutanga munokumbirirawa zvekare kuti mapinda musango munoda kutsvaga huni dzedoro remudzimu ,,mokumbirira varidzi vesango nechambwa , fembo rematare neupfu hwechibage uye mapfunde machena pamuhacha
π¦π¦π¦π¦π¦π¦π¦
Ndipo pamuchatora tsotso dzakaa pamuhacha uyu muchitema imwe miti inoti mugodo,mutondo,mupani,mukamba ,muuzhe
Ndiyo miti inoshandiswa nhai .
Motsvagawo mufandichimuka ndiwo unobatidziswa moto wekubika doro , mufandichimuka unopa chiremera /huera hwe doro uye kudzinga mhepo dzakaipa dzingadza kusimudzwa wo nana murondatsimba pamutambo wenyu or vaye vangadaro vakatsikpika mudzimu kumusha.
πππππππ
Hapo doro razobikwa mutambo wave kuitwa ndipo panodeedzwa ana gwenyambira nembira dzavo (richataura mipanda uye maridzirwo adzo)vengoma nehosho ,vezvikeyi,magagada , zvichi
Chakaita upinde muChivanhu ndiwe wega unochiziva asi mubvunzo wangu ndewekuti wakazozvigadzirisa here uye mhinduro wakaiwana here.
Mumwe ndiye akazofamba arwara kwese zvaramba kwava kuudzwa kuti idzimu rasumudza urwere panyama.
Mumwe ndiye akazofamba imba yaramba kumira apa akutokwegura.
Mumwewo ndiye akafamba anzwa nekuitwa mukadzi nezvikwambo.
Mumwewo kwakuzofamba atorambwa imba yaparara.
Mumwe ndiye akafamba arwarirwa kana kufirwa nemwana.
Mumwe kwakufamba basa raramba kumuka.
Mumwe akafamba anzwa neminyama chese chaanobata chisiri kuendeka.
Mumwe akange angoperekedzawo Sahwira.
Mumwe ndiye akatoriudzwa kuchurch chaiko kunzi enda unogadzirisa chivanhu chako.
Mumwewo akarinzwa kumasowe.
Mumwe akatoudzwa achitozvifambira.
Mumwewo ndiye akaita rekuudzwa kuhope.
Mumwewo akatovingwa feyafeya akaudzwa.
Mubvunzo wangu kubvira pamakazviudzwa mava papi nekugadzirisa zviri pamuri.
Click here to claim your Sponsored Listing.
Category
Telephone
Website
Address
Damafalls Phase 1
Port Elizabeth